Ndaishuvawo zvigondikurumidzira
Ndosaka rudo ndaingokuchidzira
Asi iwe waitoda kundichikidzira
Biridzira uchiruma uchifuridzira
Waisandiziva waindifungidzira
Handimirizike kana kuzviratidzira
Chinhu chimwe chawaindishuwira
Kuti ndimire pamacheto wondisaidzira
Chiiko chawaindishuridzira
Chinhu chinonzi rudo wakanditambudzira
Zvizhinji zvandaida kukubatanidzira
Wakatsaudzira zvese ndokuguma munzira
Aaah hona chishuvo changu
Ndaida kuva newe ramangwana rangu
Tarira wazoputsa shungu dzemoyo wangu
Ndaida kuva newe ramangwana rangu
Tarisa wazoputsa shungu dzemoyo wangu
Takatsidzirana kuti hatizorambana
Takatsidzirana kuti hatizorambana
Asi woti nguva yangu neyako yapesana
Ndaida kuzoronga newe ramangwana
Dai zvaibvira waingondipa mumwe mukana
Dai kuzoronga newe ramangwana
Rudo rwako handizorukanganwa
Handina kuziva ndichasvika pakushupana newe mudiwa
Haitungamire dai ndakaziva
Ndaida kuva newe ramangwana rangu
Tarisa wazoputsa shungu dzemoyo wangu
Ndaida kuva newe ramangwana rangu
Tarisa wazoputsa shungu dzemoyo wangu
Ndaishuvawo zvigondikurumidzira
Ndosaka rudo ndaingokuchidzira
Asi iwe waitoda kundichikidzira
Biridzira uchiruma uchifuridzira
Waisandiziva waindifungidzira
Handimirizike kana kuzviratidzira
Chinhu chimwe chawaindishuwira
Kuti ndimire pamacheto wondisaidzira
Chiiko chawaindishuridzira
Chinhu chinonzi rudo wakanditambudzira
Zvizhinji zvandaida kukubatanidzira
Wakatsaudzira zvese ndokuguma munzira
Ndaida kuva newe ramangwana rangu
Tarisa wazoputsa shungu dzemoyo wangu
Ndaida kuva newe ramangwana rangu
Tarisa wazoputsa shungu dzemoyo wangu